Genesis 49

Jakobho anoropafadza vanakomana vake

1Ipapo Jakobho akadana vanakomana vake akati, “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri pamazuva anouya.

2“Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho;
teererai kuna baba venyu Israeri.

3“Rubheni, iwe uri dangwe rangu,
simba rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu,
unokunda mukukudzwa, unokunda musimba.
4Unozunguzika semvura zhinji, hauchazokundizve,
nokuti wakakwira panhoo yababa vako,
panhoo yangu uye ukaisvibisa.

5“Simeoni naRevhi mukoma nomununʼuna,
minondo yavo zvombo zvokurwa.
6Ngandirege kupinda parangano yavo,
ngandirege kuva paungano yavo,
nokuti vakauraya vanhu mukutsamwa kwavo
uye vakagura marunda enzombe sezvavaida.
7Kutsamwa kwavo ngakutukwe, kunotyisa zvakadai,
uye hasha dzavo, dzaiva noutsinye kudai!
Ndichavaparadzira muna Jakobho
uye ndigovatsaura muna Israeri.

8“Judha, hama dzako dzichakurumbidza;
ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako;
vanakomana vababa vako vachakotama kwauri.
9Uri mwana weshumba, iwe Judha;
unodzoka kubva kune zvaunouraya, mwana wangu.
Seshumba anonyangira uye anovata pasi,
seshumbakadzi, ndiani anotsunga kumumutsa?
10Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha,
uye mudonzvo womutongi pakati pamakumbo ake,
kusvikira asvika kumuridzi wawo,
uye kuteerera kwendudzi ndokwake.
11Achasungirira mbongoro yake pamuzambiringa,
nomwana wayo padavi rakaisvonaka;
achasuka nguo dzake muwaini,
zvokufuka zvake muropa ramazambiringa.
12Meso ake achasviba kupfuura waini,
meno ake achachena kupfuura mukaka.

13“Zebhuruni achagara kumahombekombe egungwa
uye achava zororo rezvikepe;
muganhu wake uchasvika paSidhoni.

14“Isakari imbongoro ine simba,
ivete pasi pakati pamatanga amakwai.
15Paanoona nzvimbo yake yokuzorora kuti yanaka sei
uye kuti nyika yake inofadza sei,
acharerekera pfudzi rake kumutoro
uye achava mubatiri wechibharo.

16“Dhani acharuramisira vanhu vake
somumwe wamarudzi aIsraeri.
17Dhani achava nyoka iri parutivi pomugwagwa,
semhakure iri munzira,
inoruma chitsitsinho chebhiza
kuitira kuti mutasvi waro awire pasi neshure.

18“Ndakamirira rusununguko rwenyu, imi Jehovha.

19“Gadhi acharohwa neboka ravapambi,
asi achavarova pazvitsitsinho zvavo.

20“Zvokudya zvaAsheri zvichava zvakakora;
achauya nezvinonaka zvakafanira madzimambo.

21“Nafutari isheche yemhembwe yakasunungurwa,
inobereka tsvana dzakaisvonaka.

22“Josefa muzambiringa unobereka mazambiringa,
unobereka uri pedyo netsime,
matavi awo anokwira pamadziro.
23Neshungu vapfuri vanomurwisa;
vanomupfura noruvengo.
24Asi uta hwake hwakaramba hwakasimba,
maoko ake akasimba, akagwinya,
nokuda kworuoko rwaIye Anesimba waJakobho,
nokuda kwoMufudzi, iye Dombo raIsraeri,
25nokuda kwaMwari wababa vako anokubatsira,
nokuda kwoWamasimba Ose anokuropafadza
namaropafadzo okumatenga kumusoro,
maropafadzo okwakadzika kuri pasi,
maropafadzo amazamu neechizvaro.
26Maropafadzo ababa vako makuru
kupfuura maropafadzo amakomo ekare,
kupfuura zvakawanda zvezvikomo zvamakore ekare.
Zvose izvi ngazvigare pamusoro waJosefa,
pamusoro womuchinda ari pakati pehama dzake.

27“Bhenjamini ibere rinoparadza;
mangwanani anodya nyama,
madekwana anogovera zvaapamba.”
28Ava vose ndiwo marudzi gumi namaviri aIsraeri, uye izvi ndizvo zvakataurwa nababa vavo kwavari pavakavaropafadza, vachipa mumwe nomumwe kuropafadzwa kwakamufanira.

Kufa kwaJakobho

29Ipapo akavarayira akati, “Ini ndava kuzosanganiswa navanhu vokwangu. Mundivige namadzibaba angu mubako mumunda waEfuroni muHiti, 30bako riri mumunda weMakapera, pedyo neMamure muKenani, rakatengwa kubva kuna Efuroni naAbhurahama senzvimbo yokuviga pamwe chete nomunda. 31Ndipo pakavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara, ndipozve pakavigwa Isaka nomukadzi wake Rabheka, uye Rea akavigwa ipapo. 32Munda nebako riri mauri zvakatengwa kubva kuvaHiti.”

33Jakobho akati apedza kurayira vanakomana vake, akadzora tsoka dzake mumubhedha, akabudisa mweya wake akasanganiswa navanhu vokwake.

Copyright information for SnaBDSC